1 Samuel 20

Dhavhidhi naJonatani

1Ipapo Dhavhidhi akatiza kubva kuNayoti paRama akaenda kuna Jonatani akamubvunza akati, “Ndaita seiko hangu? Mhosva yangu ndeyei? Baba vako ndavatadzirei, zvavanotsvaka kundiuraya?”

2Jonatani akati, “Kwete! Haungatongofi! Tarira, baba vangu havamboiti chimwe chinhu, chikuru kana chiduku, vasingandizivisi. Vangazondivanzira izvi seiko? Hazvisi izvo!”

3Asi Dhavhidhi akapa mhiko akati, “Baba vako vanonyatsoziva kuti ndakawana nyasha pamberi pako, uye vakati mumwoyo mavo, ‘Jonatani haafaniri kuziva izvi nokuti angazvidya mwoyo.’ Asi zvirokwazvo naJehovha mupenyu uye noupenyu hwako, panongova nenhambwe imwe chete pakati pangu norufu.”

4Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “Zvose zvaunoda kuti ndikuitire, ndichakuitira.”

5Saka Dhavhidhi akati, “Tarira, mangwana izuva romutambo woKugara kwoMwedzi, uye ndinofanira kudya namambo; asi rega ndiende ndinovanda mumunda kusvikira madekwana okuswera mangwana. 6Kana baba vako vandishayiwa uvaudze kuti Dhavhidhi akakumbira zvikuru kwauri mvumo kuti ambomhanyira kuBheterehema, iro guta rokwake, nokuti chibayiro chegore rimwe nerimwe chiri kugadzirirwa mhuri yose ikoko. 7Kana vakati, ‘Zvakanaka,’ ipapo woziva kuti muranda wako ane rugare. Asi kana vakashatirwa, uchaziva chokwadi kuti vari kufunga zvokundiuraya. 8Asi kana uriwe, itira muranda wako zvakanaka, nokuti akaita sungano newe pamberi paJehovha. Kana ndine mhosva, ndiuraye iwe pachako! Ungandiendesereiko kuna baba vako?”

9Jonatani akati, “Kwete! Dai ndaiziva kuti baba vangu vakafunga kukuuraya, handaikuudza here?”

10Dhavhidhi akabvunza akati, “Ndianiko achazondiudza kana baba vako vakakupindura nehasha?”

11Jonatani akati, “Uya, tiende kumunda.” Saka vakaenda ikoko pamwe chete.

12Ipapo Jonatani akati kuna Dhavhidhi “NaJehovha, iye Mwari weIsraeri, zvirokwazvo ndichabvunzisisa baba vangu nenguva ino kuswera mangwana! Kana ndikaona kuti vanokufarira, ko, handingakutumiri shoko ndikazokuzivisa here? 13Asi kana baba vangu vachida kukuuraya, Jehovha ngaandirove, zvinorwadza kwazvo, kana ndikasakuzivisa uye ndikasakuendesa norugare. Jehovha ngaave newe sezvaakanga akaita kuna baba vangu. 14Asi iwe undiitire tsitsi dzisingaperi dzakafanana nedzaJehovha ndichiri mupenyu kudai kuti ndirege kuurayiwa, 15uye usambobvisa tsitsi dzako kumhuri yangu, kunyange Jehovha achinge auraya vavengi vaDhavhidhi vose pamusoro penyika.”

16Saka Jonatani akaita sungano neimba yaDhavhidhi, achiti, “Jehovha ngaaite kuti vavengi vaDhavhidhi vapiwe mhosva.” 17Jonatani akaita kuti Dhavhidhi apikezve mhiko yorudo rwake kwaari, nokuti aimuda sokuzvida kwaaizviita iye.

18Ipapo Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “Mangwana izuva romutambo woKugara kwoMwedzi. Iwe uchashayikwa, nokuti chigaro chako chichange chisina munhu. 19Kuswera mangwana, kwavira, uende kunzvimbo yawakanga wakavanda pakatanga dambudziko iri, ugomira padombo reEzeri. 20Ndichapfura miseve mitatu kurutivi rwayo, sokunge ndine pandakananga kupfura. 21Ipapo ndichatuma mukomana ndigoti, ‘Enda undotsvaka miseve,’ Kana ndikati kwaari, ‘Tarira, miseve iri kurutivi rwako urwu; uya nayo kuno,’ ipapo uuye, nokuti zvirokwazvo naJehovha mupenyu, rugare rwuri kwauri; hapana njodzi. 22Asi kana ndikati kumukomana, ‘Tarira, miseve iri mberi kwako,’ ipapo unofanira kuenda hako, nokuti Jehovha akuendesa kure. 23Uye pamusoro penyaya yatakurukura iwe neni, rangarira, Jehovha ndiye chapupu pakati pako neni nokusingaperi.”

24Saka Dhavhidhi akavanda mumunda, uye mutambo woKugara kwoMwedzi wakati wasvika, mambo akagara pasi kuti adye. 25Akagara panzvimbo yake yamazuva ose pamadziro, pakatarisana naJonatani, uye Abhineri akagara parutivi paSauro, asi nzvimbo yaDhavhidhi yakanga isina munhu. 26Sauro haana kutaura chinhu pazuva iroro, nokuti akati mumwoyo make, “Panofanira kuva nezvaitika kuna Dhavhidhi zvaita kuti ave asina kuchena, zvirokwazvo haana kuchena.” 27Asi pazuva rakatevera, iro zuva rechipiri romwedzi, nzvimbo yaDhavhidhi yakanga isina munhu zvakare. Ipapo Sauro akati kuna Jonatani mwanakomana wake, “Seiko mwanakomana waJese asina kuuya kuzodya zuro nanhasi?”

28Jonatani akapindura achiti, “Dhavhidhi akandikumbirisa kwazvo kuti aende kuBheterehema. 29Akati, ‘Nditenderewo hangu ndiende nokuti mhuri yokwangu iri kucherechedza chibayiro muguta uye madzikoma angu akarayira kuti ndivepo. Kana ndawana nyasha kwauri, rega ndiende hangu ndinoonana namadzikoma angu.’ Ndokusaka asina kuuya patafura yamambo.”

30Kutsamwa kwaSauro kwakanganduma nokuda kwaJonatani, akati kwaari, “Iwe mwanakomana womukadzi akatsauka uye anomukira! Unoti handizivi kanhi kuti unowirirana nomwanakomana waJese kuti uzvinyadzise, iwe uyewo kuti mai vako vakakubereka vanyadziswe. 31Kana mwanakomana waJese achirarama panyika ino chete, iwe kana umambo hwako haungasimbiswi. Iye zvino tuma munhu auye naye kwandiri, nokuti anofanira kufa!”

32Jonatani akabvunza baba vake akati, “Sei achifanira kuurayiwa? Chiiko chaakaita?” 33Asi Sauro akapotsera pfumo rake kwaari kuti amuuraye. Ipapo Jonatani akaziva kuti baba vake vakanga vachida kuuraya Dhavhidhi.

34Jonatani akakwakuka patafura nokutsamwa kukuru; pazuva rechipiri iroro romwedzi haana kudya, nokuti akanga akatsamwira baba vake nokuda kwamabatiro anonyadza avakanga vaita Dhavhidhi.

35Fume mangwana, Jonatani akaenda kumunda kuti andosangana naDhavhidhi. Akanga ano mukomana muduku pamwe chete naye, 36akati kumukomana, “Mhanya undotsvaka miseve yandichapfura.” Mukomana achiri kumhanya, iye akapotsera museve mberi kwake. 37Mukomana akati asvika panzvimbo yakawira museve waJonatani, Jonatani akadanidzira kwaari akati, “Ko, museve hauzi mberi kwako here?” 38Ipapo akadanidzira kwaari akati, “Kurumidza! Enda nokukasika! Usamira!” Mukomana akanonga museve akadzokera kuna tenzi wake. 39(Mukomana haana chaakaziva pane zvose izvi; Jonatani naDhavhidhi chete, ndivo vaiziva.) 40Ipapo Jonatani akapa zvombo zvake kumukomana akati, “Chienda, takura udzokere nazvo kuguta.”

41Mushure mokuenda kwomukomana, Dhavhidhi akasimuka nechokurutivi rwezasi rwedombo akakotamira Jonatani katatu, chiso chake chakatsikitsira. Ipapo vakasvetana vakachema pamwe chete asi Dhavhidhi akanyanyisa kuchema.

42Jonatani akati kuna Dhavhidhi, “Chienda hako norugare, nokuti takapikirana ushamwari pakati pedu muzita raJehovha, tichiti, ‘Jehovha ndiye chapupu pakati pako neni, uye pakati pezvizvarwa zvako nezvizvarwa zvangu nokusingaperi.’ ” Ipapo Dhavhidhi akabva, Jonatani akadzokerawo muguta.

Copyright information for SnaBDSC